Psalms 34

Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake.

1Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose;
kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.
2Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha;
vanotambudzika ngavanzwe vafare.
3Kudzai Jehovha pamwe chete neni;
ngatikudzei zita rake pamwe chete.

4Ndakachema kuna Jehovha akandipindura;
akandisunungura pakutya kwangu kwose.
5Vanotarira kwaari vanopenya;
zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.
6Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa;
akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.
7Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya,
uye anovasunungura.

8Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka;
akaropafadzwa munhu anovanda maari.
9Ityai Jehovha, imi vatsvene vake,
nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.
10Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara,
asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.

11Uyai, vana vangu, nditeererei;
ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
12Ani naani wenyu anoda upenyu,
uye uchida kuona mazuva akawanda,
13dzora rurimi rwako pane zvakaipa
nemiromo yako pakureva nhema.
14Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;
tsvaka rugare uye urutevere.

15Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama
uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;
16chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa,
kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.

17Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa;
anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.
18Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika
uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

19Akarurama angava namatambudziko mazhinji,
asi Jehovha anomurwira paari ose;
20anochengetedza mapfupa ake ose,
hakuna nerimwe rawo richavhunika.

21Zvakaipa zvichauraya vakaipa;
vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.
22Jehovha anodzikinura varanda vake;
hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.
Copyright information for SnaBDSC